Job 27

1Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti:

2“Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira,
iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,
3chero ndichine upenyu mandiri,
ndichine kufema kwaMwari mumhino dzangu,
4miromo yangu haingatauri zvakashata,
uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.
5Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi;
kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.
6Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi;
hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu.

7“Vavengi vangu ngavaite savakaipa,
navadzivisi vangu savasakarurama!
8Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa,
Mwari paanotora upenyu hwake?
9Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake
paanowirwa nenhamo here?
10Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here?
Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?

11“Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari;
nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi.
12Imi mose makazviona izvi pachenyu.
Zvino munotaurireiko zvisina maturo?

13“Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari,
iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.
14Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo;
zvizvarwa zvake hazvizombowani zvokudya zvakakwana.
15Denda richaviga vaya vanenge vasara,
uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.
16Kunyange akaunganidza sirivha seguruva,
uye zvokupfeka zvikaita somurwi wevhu,
17zvaanowana zvichapfekwa navakarurama,
uye vasina mhaka vachagovana sirivha yake.
18Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto,
sechirindo chakaitwa nomurindi.
19Anovata pasi akapfuma, asi haachazviitizve;
paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda.
20Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu;
dutu rinomubvutira kure panguva yousiku.
21Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, achibva zvachose.
Inomukukura kubva panzvimbo yake.
22Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni,
paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo.
23Inomuomberera maoko ichimuseka,
ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake.
Copyright information for SnaBDSC